2 Chronicles 29:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀipiriso ɀinopiswa ɀakaŋga ɀakawanda ʋo kwaɀo, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa, neɀipiriso ɀaiɗururwa ɀecipiriso cimŋe necimŋe caipiswa. Naiɀoɀo ɓasa reimba yaJehova rakagadzirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paiva nezvipiriso zvinopiswa zvakawanda kwazvo, pamwe chete namafuta ezvipiriso zvokuyanana, nezvipiriso zvokunwa zvaipiwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa. Saka temberi yaJehovha yakatanga kushanda zvakare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tisingaverengere zvedu mipiro yokupisa yakawanda kwazvo paiva namafuta emipiro yokuwadzana paivawo nezvomupiro wokuteura nezvomupiro wokupisa. Ndokugadzirisa kwakaitwa kunamata pamba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvipiriso zvinopiswa zvakanga zvakawandawo kwazvo, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa, nezvipiriso zvaidururwa zvechipiriso chimwe nechimwe chaipiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.
Shona 2009?
Zvipiriso zvinopiswa zvakanga zvakawandawo kwazvo, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa, nezvipiriso zvaidururwa zvechipiriso chimwe nechimwe chaipiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvipiriso zvinopiswa zvakanga zvakawandawo kwazvo, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa, nezvipiriso zvaidururwa zvechipiriso chimwe nechimwe chaipiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.