2 Chronicles 3:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃiraʋira, raiʋa pamberi peimba, kureɓa kwaro kwakaŋga kwakafanana noʋupamhi bgeimba, makubiti makumi maʋiri, nokukwirira kwaro makubiti anezana namakumi maʋiri; akaifukidza necomukati nendarama yakaiȿo‐naka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Biravira rapamberi petemberi rakanga rakareba makubhiti makumi maviric pamberi paupamhi hweimba uye rakanga rakareba makubhiti makumi maviri kuenda mudenga. Akafukidza mukati mayo negoridhe rakaisvonaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kamba kepamusuo, usati wapinda mukati memba yacho, kaiva nourefu hwaiita mamita mapfumbamwe sezvaiva zvakangoitawo upamhi hwemba yacho. Kukwira kwayo mudenga yakareba mamita makumi mashanu nemana. Mukati mako, kumadziro, akanamirira ndarama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Biravira, raiva pamberi peimba, kureba kwaro kwakanga kwakafanana noupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, nokukwirira kwaro makubhiti ane zana namakumi maviri; akaifukidza nechomukati nendarama yakaisvonaka.
Shona 2009?
Biravira, raiva pamberi peimba, kureba kwaro kwakanga kwakafanana noupamhi bweimba, makubhiti makumi maviri, nokukwirira kwaro makubhiti ane zana namakumi maviri, akaifukidza nechomukati nendarama yakaisvonaka.
Shona SUB 2002 Bible
Biravira, raiva pamberi peimba, kureba kwaro kwakanga kwakafanana noupamhi hweimba, makubhiti makumi maviri, nokukwirira kwaro makubhiti ane zana namakumi maviri; akaifukidza nechomukati nendarama yakaisvonaka.