2 Chronicles 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaka ʋo imba tȿene‐tȿene; kureɓa kwayo kwakaŋga kwakafanana noʋupamhi bgeimba, makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgayo makubiti anamakumi maʋiri; akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka yakaȿika matarenta mazana matanhatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavaka Nzvimbo Tsvene-tsvene, kureba kwayo kwaienderana noupamhi hwetemberi makubhiti makumi maviri urefu hwayo uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri. Akafukidza mukati mayo namatarenda mazana matanhatud egoridhe rakaisvonaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavakawo nzvimbo inoeresesa imomo. Urefu hwayo hwakanga hwakaenzana noupamhi hwemba yacho huchiita mamita mapfumbamwe, upamhiwo huri mamita mapfumbamwe. Kumadziro akainamirirawo ndarama yakanakisisa yairema matani anopfuura makumi maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavakawo imba tsvene-tsvene; kureba kwayo kwakanga kwakafanana nohupamhi hweimba, makubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwayo makubhiti ana makumi maviri; akaifukidza nendarama yakaisvonaka yakasvika matarenta mazana matanhatu.
Shona 2009?
Akavakawo imba tsvene-tsvene; kureba kwayo kwakanga kwakafanana nohupamhi bweimba, makubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwayo makubhiti ana makumi maviri; akaifukidza nendarama yakaisvonaka yakasvika matarenda* mazana matanhatu.
Shona SUB 2002 Bible
Akavakawo imba tsvene–tsvene; kureba kwayo kwakanga kwakafanana nohupamhi hweimba, makubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwayo makubhiti ana makumi maviri; akaifukidza nendarama yakaisvonaka yakasvika matarenta mazana matanhatu.