2 Chronicles 30:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hezekia wakatuma nhume kuʋaIsraeri nokuʋaJuda ʋose, akanyora ʋo ŋwadi kuʋaEfraimi naʋaManase, kuti ʋaʋuye kuimba yaJehova paJerusarema, kuzoitira Jehova Mŋari waʋaIsraeri paseka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akatumira shoko kwaIsiraeri kwose nokwaJudha akanyorerawo matsamba kwaEfuremu nokwaManase kuti vanhu vauye kumba yaTenzi kuJerusaremu kuzochengta Pasika yokupemberera Tenzi, Mwari weIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose, akanyorawo n’wadhi kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika.
Shona 2009?
Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose,akanyorawo mwadhi kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hezekiya akatuma nhume kuVaIsiraeri nokuvaJudha vose, akanyorawo tsamba kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari waVaIsiraeri Pasika.