2 Chronicles 30:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋazhinji ʋaiʋa’po paʋuŋgano ʋakaŋga ʋasina‐kuɀinatsa; saka ʋaRevi ʋaiʋa neɓasa rokuʋurayira ʋose, ʋakaŋga ʋasina‐kunatswa, makwaiana e paseka yaʋo, kuti ʋaʋanatsire Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kwakanga kuine vazhinji mukati megungano, vakanga vasina kuzvichenura. Ipapo vaRevhi ndivo vakatenge votourayira hwayana yePasika vose vakanga vasina kuzvichenura kuti iereserwe Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.
Shona 2009?
Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.