2 Chronicles 30:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa paJerusarema, ʋakaita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomufaro mukuru mazuʋa manomŋe; ʋaRevi naʋaprista ʋakarumbidza Jehova zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋaciridzira Jehova neɀokuridzisa ɀainzwika kure.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu veIsiraeri vakanga vari muJerusaremu vakachengeta Mazuva Makuru eChingwa Chisina Mbiriso kwemazuva manomwe vachifara kwazvo. Izvozvo vaRevhi navapristi vainorumbidza Tenzi zuva nezuva vachiimbira Tenzi vaine zvokuridzira Tenzi nazvo mumhanzi zvine simba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapristi vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navaprista vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapristi vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.