2 Chronicles 30:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hezekia akataura noʋunyoro naʋaRevi ʋose ʋaigona kuɓatira Jehova ɀakanaka. Naiɀoɀo ʋakadya pamutambo mazuʋa manomŋe, ʋakaɓayira ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, ʋaciɀireʋurura kunaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akataurawo zvakafadza mumwoyo vaRevhi vose vainge vari vanhu vainyatsonzwisisa zvokwaTenzi. Vanhu vakadya chokudya cheMazuva Makuru iwayo kwemazuva manomwe vachipira zvibayiro zvokuwadzana vachitenda Tenzi, Mwari wemadzibaba avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona 2009?
Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Hezekiya akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibairo zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.