2 Chronicles 30:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Hezekia mambo waJuda wakapa ʋuŋgano nzombe dzinecuru cimŋe, namakwai aneɀuru ɀinomŋe, kuti ʋaɓayire naɀo; namacinda ʋo akapa ʋuŋgano nzombe dzinecuru cimŋe, namakwai aneɀuru ɀinegumi; ʋaprista ʋazhinji‐zhinji ʋakaɀinatsa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakavadariso ndechokuti Hezekiya mambo wokwaJudha akapa gungano iroro ravanhu chiuru chehandira nezviuru zvinomwe zvehwai dzokupira. Machindawo akapawo kugungano chiuru chehandira nehwai gumi rezviuru. Vapristi vakazozvichenura vakawanda kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapristi vazhinji-zhinji vakazvinatsa.
Shona 2009?
Nokuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vaprista vazhinji-zhinji vakazvinatsa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Hezekiya mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapristi vazhinji zhinji vakazvinatsa.