2 Chronicles 30:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋuŋgano yose yaJuda, pamŋe cete naʋaprista naʋaRevi, neʋuŋgano yose yakabva pakati paIsraeri, naʋatorwa ʋakabva panyika yaIsraeri, naʋakaŋga ʋagere paJuda, ʋakafara ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gungano rose rokwaJudha rakapembera kufara pamwechete navapristi nevaRevhi negungano rose raibvawo kwaIsiraeri nevaigara kwaJudha navatorwa vose vaibva kwaIsiraeri, navatorwa vaibva kwaJudha vakafara kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapristi navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.
Shona 2009?
Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navaprista navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapristi navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.