2 Chronicles 30:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaprista ʋaRevi ʋakasimuka, ʋakaropafadza ʋanhu; manzwi aʋo akanzwika, nokunyeŋgetera kwaʋo kukaȿika kuʋugaro bgake ʋutȿene iko kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi nevaRevhi vakasimuka vakakomborera vanhu, chichemo chavo chakanzwikwa, munamato wavo ukasvika kumuzinda unoera wokudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vapristi vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.
Shona 2009?
Ipapo vaprista vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vapristi vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; mazwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.