2 Chronicles 30:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakasimbisa cireʋo, ʋakaziʋisa pakati paIsraeri pose, kubva paBeeri‐sheba kuȿikira paDani, kuti ʋanhu ʋaʋuye kuzoitira Jehova Mŋari waʋaIsraeri paseka paJerusarema; nokuti ʋakaŋga ʋasina‐kuiita ŋguʋa huru, seɀakaŋga ɀakanyorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro vakasunga chisungo chokuti shoko riende muIsiraeri yose kubvira kuBheerishebha kusvikira kwaDhani rokuti vanhu vose vanofanira kuuya kuzochengeta Pasika yokupemberera Tenzi Mwari weIsiraeri kuJerusaremu sezvo vakanga vasina kuichengeta nouwandi hwakanga hwatemwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati paIsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.
Shona 2009?
Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati palsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati paIsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari waVaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.