2 Chronicles 30:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda neŋwadi dzamambo namacinda ake pakati paʋaIsraeri ʋose naʋaJuda, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, ʋakati: Imi ʋana ʋaIsraeri, dzokerai ɀe kunaJehova Mŋari waAbrahama, naIsaka, naIsraeri, kuti iye adzokere ɀe kunaʋakasara pakati penyu, ʋakapukunyuka pamaʋoko amadzimambo eAsiria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti: “Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokutema kwakanga kwaita mambo, vanhu vokumhanya vakaenda kwaIsiraeri kwose nokwaJudha namatsamba aibva kuna mambo namachinda achiti, “Vanhu veIsiraeri dzokerai kuna Tenzi, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waIsiraeri kuti iyewo acheukezve katsama kenyu kavanhu vakasara vakapunyuka mumaoko amadzimambo eAsiria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nen’wadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, “Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.
Shona 2009?
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nemwadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, "Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda netsamba dzamambo namachinda ake pakati paVaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, “Imi vana VaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kuna vakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.