2 Chronicles 30:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana imi mukadzokera kunaJehova, hama dzenyu naʋana ʋenyu ʋacanzwirwa tsitsi naʋatapi ʋaʋo, ʋagodzokera ɀe kunyika ino; nokuti Jehova Mŋari wenyu uneŋgoni nenyasha; haaŋgafuratidzi ciso cake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinondidariso ndechokuti kana imi mukadzokera kuna Tenzi, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navakavatapa vakadzokera kunyika ino nokuti Tenzi, Mwari wenyu ane mwoyochena netsiye nyoro uye haazokufuratirai kana imi madzokerawo kwaari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.”
Shona 2009?
Nokuti kana imwi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.”