2 Chronicles 31:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iɀo ɀose ɀakati ɀapera, ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋari’po, ʋakaɓuɗa kumaguta aJuda, ʋakaputsa shoŋgwe, nokutema matanda okunamata nawo, ʋakaputsa matunhu akakwirira neartari kwaJuda nokwaBenjamini kwose, nokwaEfraimi nokwaManase, kuȿikira ʋaɀiparadza ɀose. Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakadzokera kumaguta aʋo, mumŋe nomumŋe kuɀinhu ɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvose pazvakapera, vaIsraeri vakanga varipo vakabuda vakaenda kumaguta eJudha vakaputsa matombo ose anoera uye vakatema matanda aAshera. Vakaparadza nzvimbo dzakakwirira nearitari muJudha yose neBenjamini nomuEfuremu neManase. Vapedza kuparadza zvose vaIsraeri vakadzokera kumaguta avo nokuzvinhu zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti zvose izvozvi zvapera vaIsiraeri vose vaivepo vakaenda kumaguta ose okwaJudha vakapwanya mabwe ose aiva akamisirwa kunamata, vakatemera pasi zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Vakapaza nzvimbo dzokatunhumara dzokuteurira neatari dzacho maJudha mose nokwaBhenjamini nokwaEfuremu nokwaManase kusvikira vazviparadza zvose. Vanhu vose veIsiraeri vakadzokera kumaguta avo munhu wose achienda kumusha kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino izvo zvose zvakati zvapera, vaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira nearitari kwaJudha nokwaBhenjamini kwose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana vaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.
Shona 2009?
Zvino izvo zvose zvakati zvapera, vaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira nearitari kwaJudha nokwaBhenjamini kose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana vaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino izvo zvose zvakati zvapera, VaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira neatari kwaJudha nokwaBhenjamini kwose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana VaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.