2 Chronicles 31:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Azaria muprista mukuru weimba yaZadoki akamupindura, akati: Kubva ŋguʋa yaʋakataŋga kuisa ɀipo muimba yaJehova, takadya, tikaguta, tikasarirwa neɀizhinji, nokuti Jehova wakaropafadza ʋanhu ʋake; ɀasara ndiɀo ɀizhinji iɀi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Azaria muprista mukuru kubva kuimba yaZadhoki akapindura achiti, “Kubva zvakatanga vanhu kuuyisa zvipo zvavo kutemberi yaJehovha, takawana zvokudya zvakatiringana, nezvizhinji zvaisara, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake, uye izvi zvizhinji ndizvo zvakasara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Azariya mupristi mukuru vaiva vemba yokwaZadhoki vakamupindura vachiti, “Kubvira pakatanga vanhu kuunza zvipo zvavo kumba yaTenzi, takadya tikaguta tikatosiya zvimwe zvakawanda nokuti Tenzi akakomborera vanhu vake zvokuti tine dura iri guru rezvakasara.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Azaria mupristi mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, “Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi.”
Shona 2009?
Azaria muprista mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, "Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi."
Shona SUB 2002 Bible
Azaria Mupristi Mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, “Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi.”