2 Chronicles 31:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋasiŋgaʋereŋgi ʋarume ʋakaŋga ʋakanyorwa mazita aʋo, kubva pamakore matatu naʋanopfuʋura, aninani waipinda mumba maJehova, kuzoita maɓasa akaɗikanwa zuʋa rimŋe nerimŋe, pamaɓasa aʋo aʋakaŋga ʋapiwa namapoka aʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo vakagovera kuvanhurume vaiva namakore matatu zvichikwira avo vaiva namazita avo akanyorwa mumagwaro enhoroondo, vose avo vaizopinda mutemberi yaJehovha kuti vaite mabasa ezuva nezuva akasiyana-siyana, zvichienderana nezvavakatarirwa kuti vaite uye namapoka avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
tisingaverengi zvedu vaya vakanyorwa mazita chizvarwa nechizvarwa vechirume, kubvira pamakore matatu okuberekwa zvichikwira, vose vari vokupinda mumba yaTenzi maererano nebasa rainge richidiwa zuva iroro pabasa ravo zvichienderanawo nebasa ravo chikwata nechikwata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikanwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;
Shona 2009?
vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikamwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;
Shona SUB 2002 Bible
vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikanwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;