2 Chronicles 31:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hezekia akaraira mapoka aʋaprista naʋaRevi pamapoka aʋo, munhu mumŋe nomumŋe paɓasa rake, ʋaprista naʋaRevi ʋose, kuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, kushumira nokuʋoŋga, nokurumbidza mumasuʋo emisasa yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akaisa vaprista navaRevhi mumapoka avo mumwe nomumwe wavo mumabasa avo savaprista kana kuti vaRevhi kuti vape zvipiriso zvinopiswa nezvipo zvokuyananisa kuti vashumire, kuti varonge uye kuti vaimbe nziyo dzokurumbidza pamasuo enzvimbo yaJehovha yokugara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akaronga vapristi nevaRevhi muzvikwata maerano nebasa romunhu woga woga, vapristi navaRevhi vemipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana kwouya vokushanda pamisuo mikuru yepamana paTenzi kwozouya vokutenda nokumurumbidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hezekia akaraira mapoka avapristi navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vapristi navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuo emisasa yaJehovha.
Shona 2009?
Hezekia akaraira mapoka avaprista navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vaprista navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuo emisasa yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Hezekiya akaraira mapoka avapristi navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vapristi navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuwo emisasa yaJehovha.