2 Chronicles 31:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiɀo ɀakaita Hezekia kwaJuda kwose; akaita ɀakanaka neɀakarurama neɀakatendeka pamberi paJehova Mŋari wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya akaita saizvozvi maJudha mose. Pana Tenzi, Mwari wake akaita zvakanaka zvakarurama nezviri pachokwadi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndizvo zvakaita Hezekia kwaJudha kwose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
Shona 2009?
Ndizvo zvakaita Hezekia kwaJudha kose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
Shona SUB 2002 Bible
Ndizvo zvakaita Hezekiya kwaJudha kwose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.