2 Chronicles 31:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Paɓasa rimŋe nerimŋe raakataŋga pakushumira paimba yaMŋari, napamurairo, napamirau, napakutȿaka Mŋari wake, wakaɀiita nomŋoyo wake wose, akakunda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mune zvose zvaakaita mukushandira temberi yaMwari uye mukutevera murayiro nezvakarayirwa, akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Basa rose raaiitira imba yaMwari maererano nomutemo nemirao achitsvaka Mwari wake, aiita nomwoyo wose zvichibva zvabudirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurayiro, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomwoyo wake wose, akakunda.
Shona 2009?
Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurayiro, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomoyo wake wose, akakunda.
Shona SUB 2002 Bible
Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurairo, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomwoyo wake wose, akakunda.