2 Chronicles 31:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaraira ʋo mugoʋe wefuma yamambo weɀipiriso ɀinopiswa, ɀaiti: Weɀipiriso ɀinopiswa maŋgwanani namaɗekwana, neɀipiriso ɀinopiswa pamasaɓata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa, seɀaɀakanyorwa pamurairo waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akapawo kubva mupfuma yake zvipiriso zvinongoiswa zvamangwanani nezvamadekwana nezvipiriso zvinopiswa zvamaSabata, zvoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakatarwa sezvakanyorwa muMurayiro waJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakanga zvabviswa namambo zviya zvaakatora pazvinhu zvake zvaiva zvemipiro yokupisa iri mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru nemipiro yokupisa yepamaSabata neyoKugara kweMwedzi neyemamwewo mazuva makuru akatemwa sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akarairawo mugove wepfuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurayiro waJehovha.
Shona 2009?
Akarairawo mugove wefuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamaSabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurayiro waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Akarairawo mugove wepfuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurairo waJehovha.