2 Chronicles 31:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋacaŋgonzwa murairo uyu, ʋana ʋaIsraeri ʋakapa ɀakawanda ɀeɀitȿa, ɀeɀiyo newaini, namafuta, noʋuci, nemicero yose yeminda; ʋuye cegumi ceɀinhu ɀose ʋakaʋuya naɀo ɀiri ɀizhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shoko parakangoenda, vaIsraeri vakapa zvakawanda zvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvavo, waini itsva, mafuta nouchi nezvose zvakabuda muminda yavo. Vakauyisa zvakawanda, chegumi chezvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakangopararira chirevo ichocho vanhu veIsiraeri vakapa zvinhu zvakawanda kwazvo zvembesanwa dzokutanga newaini namafuta eorivhi nouchi nezvimwe zvose zvomuminda. Vakauya nezvinhu zvakawanda kwazvo zvechegumi chezvinhu zvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachangonzwa murayiro uyu, vana vaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.
Shona 2009?
Zvino vakati vachangonzwa murayiro uyu, vana vaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachangonzwa murairo uyu, vana VaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.