2 Chronicles 31:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋana ʋaIsraeri naʋaJuda ʋakaŋga ʋagere pamaguta aJuda ʋakaʋuya ʋo neɀegumi ɀenzombe namakwai, neɀegumi ɀeɀinhu ɀakatsaurwa ɀakaŋga ɀatsaurirwa Jehova Mŋari waʋo, ʋakaɀiita mirwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume veIsraeri neJudha vaigara mumaguta eJudha vakauyisa chegumi chamatanga avo nechegumi chezvinhu zvitsvene zvakakumikidzwa kuna Jehovha Mwari wavo, uye vakazviisa mumatutu matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vokwaIsiraeri nevokwaJudha vaigara mumaguta okwaJudha vakauyawo nezvegumi zvemombe nehwai nezvimwe zvakateketerwa kuna Mwari zvakanga zvaturirwa kuna Tenzi, Mwari wavo, vakazviunganidza kuita mirwi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navana vaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.
Shona 2009?
Navana vaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.
Shona SUB 2002 Bible
Navana VaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.