2 Chronicles 32:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haazi iye Hezekia wakabvisa matunhu ake akakwirira neartari dzake, akaraira Juda neJerusarema, aciti: Munofanira kunamata pamberi peartari imŋe, ʋuye munofanira kupisa ɀinonhuwira ipapo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia haana here kubvisa nzvimbo dzakakwirira dzamwari iyeyu nearitari achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe chete uye munofanira kubayira zvipiriso pairi’?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Haasiye here Hezekiya mumwecheteyo akabvisa nzvimbo dzake dzakatunhumara dzokuteurira akatemera Judha neJerusaremu chirevo chokuti, ‘Pamberi peatari imwechete iyoyi iyi ndopamava kufanira kuzopfugamira nokupisira zvibayiro zvenyu pairi iyoyi iyi?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haazi iye Hezekia akabvisa matunhu ake akakwirira nearitari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuwira ipapo here?’
Shona 2009?
Haazi iye Hezekia akabvisa matunhu ake akakwirira nearitari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, `Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuhwira ipapo here?'
Shona SUB 2002 Bible
Haazi iye Hezekiya akabvisa matunhu ake akakwirira neatari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, ‘Munofanira kunamata pamberi peatari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuwira ipapo here?’