2 Chronicles 32:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino naiɀoɀo Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai, kana kukukurudzirai nomutoʋo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakunamŋari worudzi rupi norupi, kana ʋushe, wakagona kurwira ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu naparuʋoko rwamadziɓaɓa aŋgu; ɀikuru sei Mŋari wenyu haŋgakoniwi kukurwirai paruʋoko rwaŋgu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino musatendera Hezekia kuti akureverei nhema uye akutsausei zvakadai. Musamutende, nokuti hakuna mwari worudzi rupi kana umambo hupi zvahwo akagona kurwira vanhu vake kubva muruoko rwangu kana ruoko rwamadzibaba angu. Mwari wenyu achakundikana zvakadii kukurwirai kubva muruoko rwangu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino regai kunyengedzwa kana kufurirwa naHezekiya kudai. Regai kuvimba naye nokuti hakuna mwari worumwe rudzi rwevanhu kana weimwe nyika ipi zvayo akagona kununura vanhu vake mumaoko angu kana mumaoko emadzibaba angu. Ndoda, kutozoti iye Mwari wenyu pakepowo, ndiye angazokununurai iyeyo mumaoko angu?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?”
Shona 2009?
Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino naizvozvo Hezekiya ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here?”