2 Chronicles 32:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akanyora ʋo ŋwadi yokuɗaɗira nayo Jehova Mŋari waIsraeri, nokumushoʋora, aciti: Ʋamŋari ʋendudzi dzenyika idzo seɀaʋasina‐kurwira ʋanhu ʋaʋo paruʋoko rwaŋgu, saiɀoɀo ʋo Mŋari waHezekia haaŋgarwiri ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akatonyora tsamba dzokushora Tenzi, Mwari weIsiraeri achimutafurira achiti, “Sezvakangoitawo vamwari vevanhu vedzimwe nyika vasina kugona kununura vanhu vavo mumaoko mangu ndozvimwechetezvo naMwari waHezekiya haagone kununura vanhu vake mumaoko mangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanyorawo n’wadhi yokudadira nayo Jehovha Mwari waIsiraeri, nokumushora, achiti, “Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekia haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.”
Shona 2009?
Akanyorawo mwadhi yokudadira nayo Jehovha Mwari walsiraeri, nokumushora, achiti, "Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekia haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu. "
Shona SUB 2002 Bible
Akanyorawo tsamba yokudadira nayo Jehovha Mwari waIsiraeri, nokumushora, achiti, “Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekiya haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.”