2 Chronicles 32:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akatuma mutumŋa wakaparadza ʋose ʋakaŋga ʋanesimba noʋumhare, naʋatuŋgamiriri, naʋakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye wakadzokera kunyika yake acinyara. Ɀino wakati acipinda mumba mamŋari wake, aʋo ʋakaŋga ʋaɓuɗa paciʋuno cake ʋakamuʋurayira’po nomunondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akatuma mutumwa akaparadza varwi vose navatungamiri navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka akadzokera kunyika yake achinyara kwazvo uye paakapinda mutemberi yamwari wake vamwe vavanakomana vake vakamuuraya neminondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akatuma mutumwa akauraya magamba okurwa hondo navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vokuhondo vose kumatendhe amambo weAsiria. Naizvozvo akadzokera kunyika kwake adonha uso nokunyara. Paakapinda mumba yamwari wake vana vake chaivo vokubereka vakabva vamuuraira imomo nebakatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehovha akatuma mutumwa akaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye akadzokera kunyika yake achinyara. Zvino akati achipinda mumba mamwari wake, avo vakanga vabuda pachiuno chake vakamuurayirapo nomunondo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible