2 Chronicles 32:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hezekia wakaŋga anefuma zhinji nokukudzwa, akaɀiitira ɀiʋigiro ɀefuma yesirveri, neyendarama, neyeɀibge ɀinokosha, neyeɀinonhuwira, neyenhoʋo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hezekia akanga ane pfuma yakawanda kwazvo uye nokukudzwa, uye akavaka matura okuchengeta sirivha yake negoridhe namatombo anokosha, nezvinonhuwira, nenhoo nezvimwe zvinokosha zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezekiya aiva noupfumi hwakawanda kwazvo achiremekedzwa zvikuru kwazvo. Akazvigadzirira dzimba dzokuchengetera upfumi hwesirivha nendarama nematombo akakosha nemetunonhuwirira nemenhoo nememhando nemhando dzemidziyo yakakosha
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hezekia akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvepfuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuwira, neyenhoo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;
Shona 2009?
Hezekia akanga ane fuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvefuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neyenhovo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;
Shona SUB 2002 Bible
Hezekiya akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvepfuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvinonhuwira, neyenhoo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose;