2 Chronicles 32:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi pashoko renhume dzamacinda eBabironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamsoro pecishamiso cakaŋga caitwa panyika, Mŋari wakamusiya, kuti amuidze, kuti aziʋe ɀose ɀiri mumŋoyo make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi pakatumwa nhume navatongi veBhabhironi kuti vamubvunze pamusoro pechiratidzo chechishamiso chakanga chaitika munyika, Mwari akamusiya kuti amuedze uye kuti azive zvose zvaiva mumwoyo make.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panyaya yenhumwa dzamakurukota okuBhabhironi vaiva vatumwa kwaari kuzonzwa nezvechiratidzo chakanga chaitika munyika imomo, Mwari akambomusiya kuti azvionere achimuedza kuti aone chaizvoizvo kuti munhu ane mwoyo wakadii.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuedze, kuti azive zvose zviri mumwoyo make.
Shona 2009?
Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuidze, kuti azive zvose zviri mumoyo make.
Shona SUB 2002 Bible
Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuedze, kuti azive zvose zviri mumwoyo make.