2 Chronicles 32:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋai nesimba, mutsuŋge mŋoyo, regai kutya kana kuvunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi paʋazhinji ʋose ʋaanaʋo; nokuti une’su mukuru kunowaanaye iye;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuwora mwoyo nekuda kwamambo weAsiria nehondo huru yaanayo, nokuti kune simba guru kwatiri kupinda raanaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Shingai mutsunge mwoyo! Musambotya zvenyu kana kuzeza mambo weAziriya kana gurusvusvu ravanhu raauya naro. Watinaye mukuru pane wavanaye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ivai nesimba, mutsunge mwoyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye;
Shona 2009?
"Ivai nesimba, mutsunge moyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye;
Shona SUB 2002 Bible
“Ivai nesimba, mutsunge mwoyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nokuti anesu mukuru kune waanaye iye;