2 Chronicles 32:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀi Sanheribi mambo weAsiria wakatuma ʋaranda ʋake Jerusarema, (ɀino iye wakaŋga ari pamberi peRakishi, anehondo yake yose) kunaHezekia mambo waJuda, nokuʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋari Jerusarema, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, Senakeribhi mambo weAsiria nehondo yake pavakanga vakakomba guta reRakishi, akatumira vakuru vehondo yake kuJerusarema neshoko iri kuna Hezekia mambo weJudha nokuvanhu vose veJudha vaivako achiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mezvizvi, Senakeribhu mambo weAsiria ainge akakomba guta reRakishi nehondo yake yose, akatumira makurukota ake kuna Hezekiya mambo wokwaJudha nokuvanhu vose vokwaJudha vaiva muJerusaremu achiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvi Shenakeribhi mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kunavose vakanga vari Jerusaremu, akati,
Shona 2009?
Shure kwaizvozvi Shenakeribhi mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kunavose vakanga vari Jerusaremu, akati,
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvi Shenakeribhu mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu, (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kuna vose vakanga vari Jerusaremu, akati,