2 Chronicles 33:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munyeŋgetero wake ʋo, nokunzwika kwomunyeŋgetero wake, neɀiʋi ɀake ɀose, nokuɗarika kwake, nenɀimbo paakaʋaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakaʋezwa, acigere kuɀininipisa, tarirai ɀakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyengetero wake uye kuti Mwari akasundwa sei nokuzvininipisa kwake, nezvivi zvake zvose nokusatendeka kwake, nenzvimbo dzaakavakira nzvimbo dzakakwirira nokumisa matanda aAshera nezvifananidzo asati azvininipisa, zvose zvakanyorwa munhoroondo dzavaoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwouyawo munamato wake nokugamuchirwa kwakaitwa chichemo chake naMwari, nechitadzo chaakapara, nokusava munhu ari pachokwadi kwaakaita nemaakavakira nzvimbo dzokuteurira dzokunamatira akamisa zvifananidzo zviAshera nezvimwewo zvifananidzo zvokunamata asati azvidukupisa, zvakanyorwa wani muNhoroondo dzavaoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munyengetero wakewo, nokunzwika kwomunyengetero wake, nezvivi zvake, zvose, nokudarika kwake, nenzvimbo paakavaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, achigere kuzvininipisa, tarirai zvakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.
Shona 2009?
Munyengetero wakewo, nokunzwika komunyengetero wake, nezvivi zvake, zvose, nokudarika kwake, nenzvimbo paakavaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, achigere kuzvininipisa, tarirai zvakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.
Shona SUB 2002 Bible
Munyengetero wakewo, nokunzwika kwomunyengetero wake, nezvivi zvake, zvose, nokudarika kwake, nenzvimbo paakavaka matunhu akakwirira napaakaisa matanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, achigere kuzvininipisa, tarirai zvakanyorwa pakurondedzera kwaHozai.