2 Chronicles 33:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaʋaka ɀe matunhu akakwirira, akaŋga aputswa naɓaɓa ʋake Hezekia; akamutsira ʋaBaari artari, akaisa’po ʋo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokuɗeŋga, akadzishumira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekia. Akavaka aritari dzaBhaari uye akagadzira matanda aAshera. Akakotamira nyeredzi dzose dzokudenga akadzishumira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo vanaBhaari atari akagadzirawo zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Akapfugamira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akavakazve matunhu akakwirira, akanga aputswa nababa vake Hezekia; akamutsira vaBhaari aritari, akaisapowo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
Shona 2009?
Nokuti akavakazve matunhu akakwirira, akanga aputswa nababa vake Hezekia; akamutsira vaBhaari aritari, akaisapowo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akavakazve matunhu akakwirira, akanga aputswa nababa vake Hezekiya; akamutsira vaBhaari atari, akaisapowo matanda okunamata nawo; akanamata kuhondo dzose dzokudenga, akadzishumira.