2 Chronicles 33:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaisa mufananidzo wakaʋezwa wecifananidzo camŋari, caakaŋga aʋeza, mumba maMŋari, imo makaŋga manzi naMŋari kunaDavidi nokunaSoromoni mŋanakomana wake: Ndicaisa zita raŋgu nokusiŋgaperi paimba ino napaJerusarema, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chifananidzo chokunamata chaakagadzira chiya akachimisa mumba yaMwari iya yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaisa mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chamwari, chaakanga aveza, mumba maMwari, imo makanga manzi naMwari kuna Dhavhidhi nokunaSoromoni mwanakomana wake, “Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsiraeri.
Shona 2009?
Akaisa mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chamwari, chaakanga aveza, mumba maMwari, imo makanga manzi naMwari kuna Dhavhidhi nokunaSoromoni mwanakomana wake, "Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Akaisa mufananidzo wakavezwa wechifananidzo chamwari, chaakanga aveza, mumba maMwari, imo makanga manzi naMwari kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, “Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakatsaura pakati pamarudzi ose aIsiraeri.