2 Chronicles 34:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu aʋo ʋakaɓate‐ɓasa nokutendeka; ʋatariri ʋaʋo ʋaiʋa Jahati naObadia, ʋaRevi ʋaʋanakomana ʋaMerari, naZekaria, naMeshurami, ʋaʋanakomana ʋaKohati, kuzoraira ɓasa; na ʋamŋe ʋa Revi, ʋose ʋaiziʋa kuridza ɀinoridzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume ava vakaita basa zvakatendeka. Vari vatungamiriri vaiva Jahati naObhadhia, vaRevhi vaiva zvizvarwa zvaMerari, uye Zekaria naMeshurami zvizvarwa zvaKohati. VaRevhi, vose vaigona kuridza zviridzwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume ivavo vakaita basa ravo nomwoyo wose. Vaitungamirirwa naJahati naObhadhiya, vaRevhi, vanakomana vokwaMerari, uye naZekariya naMeshuramu vanakomanawo vokwaKohati varivo vokuvatarira. VaRevhi, vose vakanga vari nyanzvi chaidzo dzokuridza zvokuimbisa mumhanzi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu avo vakabata basa nokutendeka; vatariri vavo vaiva Jahati naObhadhiya, vaRevhi vavanakomana vaMerari, naZekariya, naMeshurami, vavanakomana vaKohati, kuzoraira basa; navamwe vaRevhi, vose vaiziva kuridza zvinoridzwa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible