2 Chronicles 34:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗisa mari yakaŋga yaiswa mumba maJehova, muprista Hirkia ndokuwana buku yomurairo waJehova, wakaŋga wapiwa naMosesi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaiswa mutemberi yaJehovha, Hirikia muprista akawana Bhuku roMurayiro waJehovha wakanga wapiwa kubudikidza naMozisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vachiburitsa mari yakanga yaunzwa mumba yaTenzi, mupristi Hirikiya akawana bhuku romutemo waTenzi wakapiwa nokuna Mosesi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachibudisa mari yakanga yaiswa mumba maJehovha, mupristi Hirikia ndokuwana bhuku yomurayiro waJehovha, wakanga wapiwa naMosesi.
Shona 2009?
Zvino vakati vachibudisa mari yakanga yaiswa mumba maJehovha, muprista Hirikia ndokuwana bhuku yomurayiro waJehovha, wakanga wapiwa naMozisi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachibudisa mari yakanga yaiswa mumba maJehovha, mupristi Hirikia ndokuwana Bhuku roMurairo waJehovha, wakanga wapiwa naMosesi.