2 Chronicles 34:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Endai mundondibvunzira Jehova, ini naʋakasara ʋaIsraeri naʋaJuda pamsoro pamashoko ebuku yakawanikwa; nokuti kutsamŋa kwaJehova, kwaɗururwa pamsoro peɗu, kukuru, nokuti madziɓaɓa eɗu haana‐kuceŋgeta shoko raJehova, kuti ʋaite ɀose ɀakanyorwa mubuku iyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Endai munondibvunzira kuna Jehovha mubvunzewo vakasara muIsraeri neJudha pamusoro pezvakanyorwa mubhuku iri rawanikwa. Hasha dzaJehovha izhinji kwazvo dzinodururirwa pamusoro pedu nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha; havana kuita sezvakanyorwa mubhuku iri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endai mundondibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu navakasara maIsiraeri nemaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti kutivirukira nehasha kwakaita Tenzi kukuru kwazvo, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raTenzi kuti vaite maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku irori.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navakasara vaIsiraeri navaJudha pamusoro pamashoko ebhuku yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha, kwadururwa pamusoro pedu, kukuru, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha, kuti vaite zvose zvakanyorwa mubhuku iyi.”
Shona 2009?
"Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navakasara vaIsiraeri navaJudha pamusoro pamashoko ebhuku yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha, kwadururwa pamusoro pedu, kukuru, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha, kuti vaite zvose zvakanyorwa mubhuku iyi."
Shona SUB 2002 Bible
“Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navakasara VaIsiraeri navaJudha pamusoro pamashoko ebhuku rakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha, kwadururwa pamusoro pedu, kukuru, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha, kuti vaite zvose zvakanyorwa muBhuku iri.”