2 Chronicles 34:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanditsamŋisa namaɓasa ose amaʋoko aʋo; naiɀoɀo kutsamŋa kwaŋgu kwaɗururwa pamsoro penɀimbo iyi, hakuŋgadzimŋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti vakandisiya vakapisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari vakamutsa hasha dzangu nezvose zvakagadzirwa namaoko avo, hasha dzangu dzichadururirwa panzvimbo ino uye hadzizodzimurwi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo ndichavirukira nzvimbo ino nehasha dzangu dzisingazopodzwi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kwadururwa pamusoro penzvimbo iyi, hakungadzimwi.
Shona 2009?
"Nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kwadururwa pamusoro penzvimbo iyi, hakungadzimwi.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kwadururwa pamusoro penzvimbo iyi, hakungadzimwi.