2 Chronicles 34:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi muti kunamambo waJuda, wakakutumai kuzobvunza Jehova: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kana ari mashoko awakanzwa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Taurirai mambo weJudha, akutumai kuti muzobvunza kuna Jehovha, kuti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko awanzwa:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi muti kuna mambo waJudha, akakutumai kuzobvunza Jehovha, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko wakanzwa,
Shona 2009?
"Asi muti kuna mambo waJudha, akakutumai kuzobvunza Jehovha, `Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,
Shona SUB 2002 Bible
“Asi muti kuna mambo waJudha, akakutumai kuzobvunza Jehovha, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko wakanzwa,