2 Chronicles 34:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, ndicakuisa kumadziɓaɓa ako, ucaʋigwa mubgiro bgako nomufaro; meso ako haaŋgaʋoni ɀakaipa ɀose ɀandicaʋuyisa pamsoro penɀimbo iyi, naʋanhu ʋagere’mo. Ʋakadzoka neshoko kunamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino iwe ndichakuuyisa kuna madzibaba ako, uye uchavigwa murunyararo. Meso ako haachazooni zvakaipa zvose zvandichauyisa panzvimbo ino napane vose vanogara pano.’ ” Saka vakatora mhinduro yake vakadzoka nayo kuna mambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa unzwe, ndichakuendesa kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino nevagari vemo iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarira, ndichakuisa kumadzibaba ako, uchavigwa muhwiro nomufaro; meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi, navanhu vageremo.” Vakadzoka neshoko kuna mambo.
Shona 2009?
"Tarira, ndichakuisa kumadzibaba ako, uchavigwa muhwiro nomufaro; meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi, navanhu vageremo." Vakadzoka neshoko kuna mambo.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarira, ndichakuisa kumadzibaba ako, uchavigwa muhwiro nomufaro; meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi, navanhu vageremo.” Vakadzoka neshoko kuna mambo.