2 Chronicles 34:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti pagore rorusere rokuɓata kwake ʋushe, aciri muɗuku, wakataŋga kutȿaka Mŋari waDavidi ɓaɓa ʋake; ɀino pagore regumi namaʋiri akataŋga kunatsa Juda neJerusarema, acibʋisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakaʋezwa, nemifananidzo yakaʋumbga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore rorusere rokutonga kwake, paakanga achiri mudiki akatanga kutsvaka Mwari wababa vake Dhavhidhi. Mugore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira, matanda aAshera, zvifananidzo zvakavezwa nezvakaumbwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvaakatoita ndezvokuti mugore rake rechisere rokutonga, izvozvo akanga achiri mukomana, akatanga kutsvaka Mwari watateguru wake Dhavhidhi. Mugore regumi nechipiri racho akavamba kuchenura nyika yokwaJudha neJerusaremu achibvisa nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokunamata zvokuumba noutare nezvokuveza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti pagore rorusere rokubata kwake ushe, achiri muduku, akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake; zvino pagore regumi namaviri akatanga kunatsa Judha neJerusaremu, achibvisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible