2 Chronicles 34:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akakwira kumba kwaJehova, anaʋarume ʋose ʋaJuda, naʋose ʋakaŋga ʋagere Jerusarema, naʋaprista, naʋaRevi, naʋanhu ʋose, ʋakuru naʋaɗuku; akaʋaraʋira mashoko ose ebuku yesuŋgano yakaŋga yawanikwa mumba maJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenda kutemberi yaJehovha navarume veJudha, vanhu veJerusarema, vaprista navaRevhi, vanhu vose kubva kuno mudiki kusvika kuno mukuru. Akaverenga vachinzwa mashoko ose eBhuku reSungano, rakanga rawanikwa mutemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akakwira kumba yaTenzi navanhu vose vokwaJudha, navagari vose veJerusaremu navapristi navaRevhi navanhu vose vaduku navakuru. Akavaverengera vachinzwa mashoko aiva mubhuku rechitenderano rakanga rawanikwa muimba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapristi, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha.
Shona 2009?
Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navaprista, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akakwira kumba kwaJehovha, ana varume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapristi, navaRevhi, navanhu vose, vakuru navaduku; akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakanga yawanikwa mumba maJehovha.