2 Chronicles 34:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Josia akabvisa ɀakaŋga ɀicinyaŋgadza ɀose panyika dzose dzaiʋa dzaʋana ʋaIsraeri, akaraira ʋose ʋakaŋga ʋari pakati paIsraeri kushumira Mŋari, kushumira iye Jehova Mŋari waʋo. Mazuʋa ake ose haʋana‐kutsauka pakuteʋera Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josia akabvisa zvifananidzo zvose zvinonyangadza munyika yose yavaIsraeri akaita kuti vose vaiva muIsraeri vashumire Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose, havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josiya akabvisa mumatunhu ose avanhu veIsiraeri zvose zvisingadiwi naMwari akaita kuti vose vaiva muIsiraeri vanamate Tenzi, Mwari wavo. Mumazuvawo ose oupenyu hwake, havana kutsauka pakutevera Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Josia akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva vaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona 2009?
Josiya akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva dzavaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Josiya akabvisa zvakanga zvichinyangadza zvose panyika dzose dzaiva VaIsiraeri, akaraira vose vakanga vari pakati paIsiraeri kushumira Mwari, kushumira iye Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.