2 Chronicles 34:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakakoromora artari dzaʋaBaari, iye ari’po; akatema mifananidzo yezuʋa yakaŋga yakaitwa pamsoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakaʋezwa, nemifananidzo yakaʋumbga, akaɀikuya ɀikaita guruʋa, akarisasa pamarinda aʋaiɀiɓayira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakurayira kwake aritari dzavana Bhaari dzakaputsirwa pasi; akatematema aritari dzezvinonhuwira dzaiva pamusoro padzo akaparadza matanda aAshera, zvifananidzo nezviumbwa izvi akazviputsa kuita zvidimbu zvidimbu akazviparadzira pamakuva avanhu vaibaira kwazviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapunza atari dzavanaBhaari iye aripo, akatemera pasi atari dzorusenzi dzaiva pamusoro padzo. Akapwanya-pwanya zvifananidzo zvokunamata, zviAshera nezvifananidzo zvokuumba noutare nezvokuveza. Akazvikuya-kuya akazvimwaya pamakuva evakanga vachipira zvibayiro kwazviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakakoromora aritari dzavaBhaari, iye aripo; akatema mifananidzo yezuva yakanga yakaitwa pamusoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa, akazvikuya zvikaita guruva, akarisasa pamarinda avaizvibayira.
Shona 2009?
Vakakoromora aritari dzavaBhaari, iye aripo; akatema mifananidzo yezuva yakanga yakaitwa pamusoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa, akazvikuya zvikaita guruva, akarisasa pamarinda avaizvibayira.
Shona SUB 2002 Bible
Vakakoromora atari dzavaBhaari, iye aripo; akatema mifananidzo yezuva yakanga yakaitwa pamusoro padzo; akaputsanya matanda okunamata nawo, nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa, akazvikuya zvikaita guruva, akarisasa pamarinda avaizvibayira.