2 Chronicles 34:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pagore regumi namasere rokuɓata kwake ʋushe, wakati anatsa nyika neimba, ndokutuma Shafani mŋanakomana waAzaria, naMaaseya, muɓati weguta, naJoa mŋanakomana waJoahazi, sahwira, kundogadzira imba yaJehova Mŋari wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore regumi namasere rokutonga kwaJosia pakuchenesa nyika netemberi, akatuma Shafani mwanakomana waAzaria naMaaseya mutongi weguta, vaina Joa mwanakomana waJohazi munyori, kuti vagadziridze temberi yaJehovha Mwari wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti mava zvino mugore regumi nechisere rokutonga kwaJosiya, mushure mokunge achenura nyika nemba yaMwari, akatuma Shafani mwanakomana waAzariya naMaaseya mutongi weguta iroro nomunyori Joa mwanakomana waJehoahazi kundogadzira imba yaTenzi, Mwari wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pagore regumi namasere rokubata kwake ushe, akati anatsa nyika neimba, ndokutuma Shafani mwanakomana waAzaria, naMaaseya, mubati weguta, naJoa mwanakomana waJohazi, gurukota, kundogadzira imba yaJehovha Mwari wake.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible