2 Chronicles 35:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josia wakaitira Jehova paseka paJerusarema; ʋakaʋuraya gwaiana repaseka ne zuʋa regumi namanna romŋedzi wokutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josia akapemberera Pasika kuna Jehovha muJerusarema, uye gwayana rePasika rakaurayiwa pazuva regumi neina romwedzi wokutanga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josiya akachengeta Pasika yaTenzi muJerusaremu. Vakauraya hwayana yePasika pazuva regumi nechina romwedzi wechiposhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josia akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
Shona 2009?
Zvino Josiya akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josiya akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.