2 Chronicles 35:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋari’po ʋakaita paseka neŋguʋa iyo, nomutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakanga varipo vakapemberera Pasika panguva iyoyo vakacherechedza Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu veIsiraeri vaivepo vakachengeta Pasika panguva iyoyo pamwechete namazuva makuru manomwe echigwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.
Shona 2009?
Zvino vana vaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana VaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.