2 Chronicles 35:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Paseka yakaɗai hainakumboitwa pakati paIsraeri kubva pamazuʋa omuprofita Samueri; hakuna‐kumboʋa mumŋe wamadzimambo aIsraeri wakaita paseka yakaŋga yakafanana neyakaitwa naJosia, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaJuda naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋari’po naʋakaŋga ʋagere Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pasika haina kunge yambocherechedzwa saizvozvi muIsraeri kubva pamazuva omuprofita Samueri; uye hakuna kana mumwe chete pamadzimambo eIsraeri akanga apemberera Pasika sezvakaitwa naJosia navaprista, vaRevhi neJudha yose neIsraeri vakanga varipo navanhu veJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna kumboita imwe Pasika yakaita saiyoyo muIsiraeri kubvira mazuva omuprofita Samueri. Hakuna mumwe mambo akamboita Pasika seyakaitwa naJosiya pamwechete navapristi, nevaRevhi nevokwaJudha nevokwaIsiraeri vaivapo navagari veJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosia, navapristi, navaRevhi, navaJudha navaIsiraeri vagere Jerusaremu.
Shona 2009?
Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosiya, navaprista, navaRevhi, navaJudha navaIsiraeri vagere Jerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosiya, navapristi, navaRevhi, navaJudha naVaIsiraeri vagere Jerusaremu.