2 Chronicles 35:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀo ɀose, Josia agadzira tembere, Neko mambo weEgipita akandorwa naKarkemishi paUfratesi; Josia akandorwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure maizvozvi zvose, Josia paakanga agadziridza zvinhu mutemberi, Neko mambo weIjipiti, akakwira kundorwa paKakemishi paYufuratesi, uye Josia akabudawo kundosangana naye kuti varwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mezvose izvozvi, Josiya apedza kugadzira Temberi, Neko mambo weIjipiti akakwidza kundorwisa Karikemishi kuna Yufuratesi, Josiya ndokubva amubudira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvo zvose, Josia agadzira temberi, Neko mambo weIjipiti akandorwa naKarikemishi paYufuratesi; Josia akandorwa naye.
Shona 2009?
Shure kwaizvozvo zvose, Josiya agadzira temberi, Neko mambo weIjipiti akandorwa naKarikemishi paYufuratesi; Josiya akandorwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvo zvose, Josiya agadzira temberi, Neko mambo weIjipiti akandorwa naKarikemishi paYufuretesi; Josiya akandorwa naye.