2 Chronicles 35:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakatuma nhume kwaari, aciti: Ndineiko newe, iwe mambo waJuda? Handina‐kuʋuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mŋari wakandiraira kuti ndicimbidzike; ɀino iwe cirega hako kunetsa Mŋari uneni, kuti arege kukuparadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Neko akatuma nhume kwaari achiti, “Ibopoto ripiko riripo pakati pangu newe, nhai mambo weJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandiri kurwisana nayo. Mwari andiudza kuti ndikurumidze; saka mira kurwisana naMwari, ari kurutivi rwangu, kana kuti achakuparadza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akamutumira nhume achiti, “Nhai mambo wokwaJudha! Chatatadziranawo chaicho ipapa chii? Handina kuuya kuzokurwisa nhasi uno, asi ndavinga imwewo imba yandiri kurwisana nayo. Mwari atonditi ndiite zvechimbichimbi. Regai kupikisana naMwari aneni, angadaro akakuparadza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, “Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza.”
Shona 2009?
Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, "Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza."
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, “Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza.”