2 Chronicles 35:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro Josia wakaramba kumurega, asi wakaɀishandura kuti arwe naye; haana‐kuterera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMŋari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegido.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro Josia haana kubva kwaari asi akazvishandura kuti arwe naye muhondo. Haana kuda kuteerera zvakanga zvataurwa naNeko sokurayira kwaMwari asi akaenda kundorwa naye pabani reMegidho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo Josiya akaramba kudzokera achimusiya, akatozvivanziridza kuti arege kuzikanwa kuitira kuti andomurwisa. Haana kumboteerera zvakarehwa naNeko zvichibva mumuromo waMwari asi akatopindawo muhondo mubani reMegidho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro Josia akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro Josiya akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro Josiya akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.